Lamentations 5

1Rangarirai Jehovha, zvakatiwira;
tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.
2Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa,
misha yedu kumabvakure.
3Tava nherera, hatina vabereki,
vanamai vedu sechirikadzi.
4Tinofanira kutenga mvura yatinonwa;
huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.
5Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo;
taneta uye hatina zororo.
6Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria,
kuti tiwane chingwa chakakwana.
7Madzibaba edu akatadza uye vakafa,
uye tava kurangwa nokuda kwavo.
8Varanda vanotitonga,
uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.
9Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi,
nokuda kwomunondo murenje.
10Ganda redu rava kupisa sechoto,
nokuda kwokupisa kwenzara.
11Vakachinya vakadzi muZioni,
mhandara, mumaguta eJudha.
12Machinda akasungirirwa namaoko avo;
vakuru havakudzwi.
13Majaya anoshanda paguyo;
vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.
14Vakuru vakabva pasuo reguta;
majaya akarega kuimba kwavo.
15Mufaro mumwoyo medu waguma;
kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.
16Korona yawa kubva pamusoro wedu.
Tine nhamo isu, nokuti takatadza!
17Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba,
nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,
18nokuti Gomo reZioni rava dongo,
makava ofambamo.
19Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi;
chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.
20Sei muchigara muchitikanganwa?
Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
21Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka;
vandudzai mazuva edu senguva yekare,
22kana musina kutiramba zvachose
kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.
Copyright information for SnaBDSC